2 Kings 17

Hoshea Mambo weIsraeri wokupedzisira

1Mugore regumi namaviri raAhazi mambo weJudha, Hoshea mwanakomana waEra akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore mapfumbamwe. 2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira.

3Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari. 4Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva mhandu, nokuti akanga atuma nhume kuna So, mambo weIjipiti, uye akarega kuripa mutero kuna mambo weAsiria, sezvaaisiita gore negore. Naizvozvo Sharimaneseri akamubata akamuisa mutorongo. 5Mambo weAsiria akarwisa nyika yose, akafamba akananga kuSamaria akarikomba kwamakore matatu. 6Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMedhia.

VaIsraeri vanotapwa nokuda kwechivi

7Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari 8uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri. 9VaIsraeri vakaita zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo muchivande. Vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa. 10Vakazvimisira matombo namatanda okunamata pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose yakapfumvutira. 11Vakapisa zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvikatsamwisa Jehovha. 12Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.” 13Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.”

14Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo. 15Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha.

16Vakasiya mirayiro yose yaJehovha Mwari wavo vakazviitira zvifananidzo zviviri zvakaumbwa zvemhuru, uye nedanda reAshera. Vakanamata nyeredzi dzose dzokudenga, uye vakanamata Bhaari. 17Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Vakaita zvokuvuka nouroyi vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa nazvo.

18Naizvozvo Jehovha akatsamwira Israeri zvikuru akavabvisa pamberi pake. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakasara, 19uye kunyange vaJudhawo havana kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wavo. Vakatevera tsika dzakanga dzatangwa neIsraeri. 20Naizvozvo Jehovha akaramba vanhu vose veIsraeri; akavatambudza akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avabvisa pamberi pake.

21Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru. 22VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri 23kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi.

Samaria inogarwazve

24Mambo weAsiria akauya navanhu kubva kuBhabhironi, nokuKuta, neAvha, neHamati neSefarivhaimu ndokuvagarisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo chavaIsraeri. Vakatora Samaria vakagara mumaguta ayo. 25Pavakatanga kugarako, vakanga vasinganamati Jehovha; naizvozvo akatuma shumba pakati pavo dzikauraya vamwe vavo. 26Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.”

27Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.” 28Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha.

29Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mumatumba okunamatira akanga aitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira. 30Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima; 31vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefarivhaimi. 32Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mumatumba panzvimbo dzakakwirira. 33Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri.

34Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri. 35Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari. 36Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro. 37Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari. 38Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari. 39Asi munofanira kunamata Jehovha Mwari wenyu; ndiye achakusunungurai kubva mumaoko avavengi venyu vose.”

40Kunyange zvakadaro, havana kuda kunzwa asi vakarambira mutsika dzavo dzakare. 41Kunyange vanhu ava vainamata Jehovha, vaingoshumira vamwari vavo. Nanhasi vana vavo navazukuru vavo vanoramba vachiita zvimwe chetezvo zvaiitwa namadzibaba avo.

Copyright information for SnaBDSC